Ghana flag The Book of Common Prayer
United States England Scotland Ireland Wales Canada World

 
    Chisanganirano Chinoyera
South African Communion Service in Shona (1957)

 

MURONGERWO WOKUGASHIRISA
CHIRARIRO CHATENZI

KANA KUTI

CHISANGANIRANO CHINOYERA

 

 

An Alternative Form of the Order
of the Holy Communion, in Shona

 

 

 

 

LONDON
SOCIETY FOR PROMOTING
CHRISTIAN KNOWLEDGE

1957


 

MURONGERWO WOKUGASHIRISA
CHIRARIRO CHATENZI
KANA KUTI
CHISANGANIRANO CHINOYERA

Vese avo vanoda kugashira Chisanganirano Chinoyera vakafanira kuziwisa Mupristi muchengeti, musi wokugashira usati wasvika.

Kana mumwe wavo aine ckitadzo chinoziwikanwa nevese, asi iye asingadi kupinduka, asi achida kugara muchitadzo chinotyora mirairo yeChechi, Mupristi muchengeti, kana achiziwa izvi, wakafanira kumudaidza nokumuudza kuti asashinge kuuya kuTafura raTenzi, dzamara ataure pachena kuti wapinduka ngedi nokuregera rugaro rwake rwekare achirururamisa, kuti Sangano iro rakanyangadzirwa kare, rigutsvwe ndizvo, kana achinge aripira avo vanhu, vaakanyangadzira; kana kutaura kuti anoita zvakadaro nokuchimbidza sezvo anokwanisa.

Nenzira tmweyo Mupristi muchengeti anoita zvakadaro kunaavo anoona kuti vari kuitirona map nokuvengana; asingavaregi vachigashira Chisanganirano paTafura raTenzi, dzamara azive kuti vava kufarirana. Kana mumwe waavo vasinganzwani achinga agadzirira kusunungura nomwoyo wake wese kunyangadzirwa kwese kwaakaitirwa, nokugadzirisa izvo iye akanyangadza; asi mumwe achiramba kunyengerwa kuti vafarirane, asi achiramba akashatirwa nokuita mafi: kana zvakadaro Mushandiri wakafanira kubvumidza mupinduki kugashira Chisanganirano Chinoyera, nokusabvumidza uvo uri kuramba. Kana Mushandiri achirambidza mumwe munhu, sezvo zvakanyorwa muiri Rubrikt, kana Kumusoro, wakafanira kuzivisa Bishop zvakaitika kusati kwapera mazuva gumi namana. Ndizvo, kana zvakafanira, Bishop anotonga mhosva youyo munhu arikunyangadza somutemo weChechi.

Panguva yeChisanganirano, Tafura ngarifukidzwe nejira jena rakanaka. Mupristi, akamira kuTafura, ngaataure neizwi rininzwika, vanhu vakapfugama nokuzvirereka.
 

 

Cover, Holy Communion Service

 

Titlepage, alternative Holy Communion

 

[1954 Order for Holy Communion from the Church of the Province of South Africa translated into Shona]

Thanks are due to Richard Mammana, who digitized the text in 2013 from a copy of the 27-page original.

MAVAMBO

BABA WEDU uri kudenga, Zita rako ngariyeriswe, Umambo hwako husvike, Kuda kwako ngakuitwe, Pasi sokudenga. Tipe nhasi chingwa chedu chemisi yese. Tisunungure zvitadzo zvedu, Sezvo tinosununguravo vanotitadzira. Usatitungamidzire mururunziro; Asi tinunure mukuipa. Amen.
 

 

Lord's Prayer

Chinamatirwa

MWARI unesimba rese, mwoyo yese, yakazuruka kunewe, ruchiva rwese runozivikana kunewe, hapana chiro chakavandika kunewe: Ita pfungwa dzomwoyo yedu dzichene nokufemera kwoMweya wako Unoyera, kuti tinatse kukuda, nokukudza Zita rako rinoyera sezvo takafanira; nokuna Kristu Tenzi wedu. R. Amen.

Mumasure mezvi Mupristi, anotenderukira kunavanhu, nokutaura neizwi rinonzwika GUMI REZVISUNGO; vanhu vakandopfugama, mumasure meZVISVNGO zvese chimwe nechimwe, ngavakumbire Mwari kuti avaitire nyasha pamusana pekusaita rufaniro rwavo muizvo zvisungo (kana sezvo chisungo chakanyorwa kana ngeizvo chinotaura) panguva yakapfuura, negrasia rokuchichengeta panguva inouya, saaya mazwi anotevera.
 

 

Collect for Purity

Mushandiri

    I. Mwari wakataura aya mazwi, achiti: Ndiri Tenzi Mwari wako; Usave nemumwe Mwari kunze kwangu.
    II. Usazviitire mufananidzo wakatsetsvwa, kana nechifananidzo chechiro chiri kudenga kumusoro, kana chiri pasi pano, kana chiri mumvura pasi pepasi. Usakotame pamberi pazvo kana kuzviombera.
    III. Usapike nhando neZita raTenzi Mwari wako.
    IV. Tondera kuchengeta musi weSabata uyere. Unobata basa mazuva matanhatu uite mabasa ako ese; asi musi weChinomwe iSabata raTenzi Mwari wako.
    V. Remedza baba wako namai wako.
    VI. Usauraye munhu.
    VII. Usapombe.
    VIII. Usabe.
    IX. Usaite umboo hwamanyepo.

Vanhu vese ngavataure, kana kuimba, mumasure mechisungo chimwe nechimwe

    Tenzi, chiva nenyasha panesu, uite mwoyo yedu kuti ichengete chisungo ichi.
    X. Usave noruchiva.
    R. Tenzi, chiva nenyasha, panesu, unyore zvese izvi zvisungo zvako mumwoyo yedu, takuteta.

Kana Gumi reZvisungo richitaurwa kamwe paMusi waTenzi muAdivendi nomuRendi, ringaregerwe padzimwe nguva. Kana richiregerwa, ngakutaurwe kuti:

JESU wakati: Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wese, nomweya wako wese, nomurangariro wako wese: Ichi ndicho chisungo chokutanga nechikuru. Nechechipiri chinofanana nacho, Ida mumwe wako sewe pachako. Mune izvi zvisungo zviiri ndimo muno mutemo wese navaprofiti.
    Vanhu. Tenzi, chiva nenyasha panesha unyore izvi zvisungo zvako mumwoyo yedu, takuteta.

Mumasure maaya mazwi, kana munzvimbo yavo, kungataurwe kana kuimba:

Tenzi, chiva nenyasha panesu.
    Kristu, chiva nenyasha panesu.
Tenzi, chiva nenyasha panesu.

Pano ngakutaurwe kuti:

Mupristi. Tenzi ngaave nemi;
Vanhu. Nomweya wako.

Ngatinamate
 

Ten Commandments

Mumasure mezvo ngakutaurwe Chinamatirwa choMusi. Zvimwe Zvinamatirwa, sezvo zvakamiswa kana kubvumirwa, zvingatevere, asi Chinamatirwa chokugumisira ngachipedziswe namazwi okugumisira akamiswa.

RUDZIDZISO

Pekarepo mumasure meChinamatirwa Mupristi anoverenga Tsamba, achiti, Tsamba (kana Chiverengwo) yakanyorwa muchitsauko che —— iri kuvamba muVesi re —— Kana Tsamba yapara, ngaati, Tsamba yapera pano (kana Chiverengwo). Mumasure mezvo ngaaverenge Vangeri (vanhu vese vakamira), achiti, Vengeri rinoyera rakanyorwa muChitsauko che —— che —— riri kuvamba muVesi re ——.

    Vanhu. Mbiri ngaive kunewe, Tenzi.
    Mumasure meVangeri vanhu ngavataure kana kuimba kuti, kutenda ngakuve kunewe, Tenzi.

Uyo anoverenga Tsamba kana Vangeri ngaatenderukire kunavanhu kuti vese vanatse kunzwa.

Kana muine vasakababatidzwa kana vanemhosva Shumairo ingatevere pano mumasure mezvo vanobudiswa vachiitirwa munamato nechikomborero. Mumasure mezvo ngakuimbwe kano kutaurwa Kudavira kunotevera, vanhu vese vakamira.
 

Collect - Epistle - Gospel - Sermon

NDINODAVIRA kunaMwari mumwe Baba anesimba rese, Musiki wedenga nepasi, Nezviro zvese zvinooneka nezvisingaoneki:
    Nokuna Tenzi mumwe Jesu Kristu, Mukorore waMwari, mumwe wakaberekwa ega, Wakaberekwa ndiBaba wake pasi rese risati ravapo, Mwari womuna Mwari, Kupenya kwokupenya, Mwari chaiye waMwari chaiye, Wakaberekwa asakasikwa, ana mamiriro amweyo naBaba, Zviro zvese zvakasikwa ndiye: Uyo pamusana pedu vanhu napamusana poruponiso rwedu, wakadzika achibva kudenga, Akabarwa noMweya Unoyera neMhandara Maria, Akaitwa munhu, Akaroverwa pamuchinjiko pamusana pedu pamazuva aPontiu Piratu. Wakatambudzika akavigwa, Pazuva retatu akamukazve soMuzvinyorwa, Akakwira kudenga, Agere parudyi rwaBaba. Achazouyazve nembiri kuzotonga vagere navakafa: Umambo hwake hahugumi.
    Ndinodavira kunoMweya Unoyera, Tenzi, noMupi woUpenyu, Unobva kunaBaba noMukorore, Unoomberwa nokuvirikidzwa pamwe naBaba noMukorore, Wakataura naVaprofiti. Ndinodavira Chechi Imwe, Inoyera, Katorike yoUpostori. Ndinobvuma Rubabatidzo rumwe rworusununguro rwezvitadzo, Ndakatarira Rumuko rwavakafa, Noupenyu hwepasi rinouya. Amen.

Mumasure mezvi Mupristi mubati ngaazivise vanhu Mabira, kana misi yokutsanya zviri muViki rinotevera zyakafanira kuchengetwa. Mumasure mezvo (kana zvakafanira) ngakuziviswe nguva dzeChisanganirano, nokudaidzira Michato; Zviziviso zvaBishopi, Tsamba dzokudaidza, neTsamba dzokudimbura munhu muChechi ngazviverengwe. Hakuna chiro chingaziviswe kana kudaidzirwa muChechi panguva yoMuombero, asi noMushandiri basi: kana iyezve haabvumidzwi kudaidzira chiro kunze kwenzira dzakanyorwa muiri Buku, kana chiro chakatemwa naBishop.

Mumasure mezvi Shumairo ingatevere, asi kuti kwashumairwa Kudavira kusati kwaitwa.
 

Nicene Creed

MUPEREKO

Zvino Mupristi anodzokera kuTafura raTenzi nokuvamba Mupereko, achitaura rimwe kana mazhinji eaya mazwi anotevera, sezvo iye anofunga kuti zvakanaka.

    ADIVENDI. Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; daidzira, iwe mukunda wejerusarema: ona, Mambo wako ari kuuya kunewe. Zak. 9.
    KUBARWA KWATENZI WEDU. Mwana waberekwa kunesu, mukorore wapiwa kunesu. Isa. 9.
    KUONISWA. Vamambo vese vachakotama pamberi pake; ndudzi dzese dzichamubatira basa. Samu 72.
    RENDI. Paruranyi mwoyo yenyu, musaparure nguvo dzenyu, mupindukire kunaTenzi Mwari wenyu: ivzo ane tsitsi nenyasha. Joel 2.
    NGUVA YOKUTAMBUDZIKA. Kutsiura kwako kwatyora mwoyo wangu; ndazara nokuremerwa: ndakatsvaka mumwe angaite tsitsi kuneni, asi hakusakava nomunhu, handisakawana kana nomumwe angandinyaradze. Samu 69.
    ISITA. Kristu wamuka kubva kuvakafa, akava muchero wokutanga waavo vakarara. Aleluya. I Vakori. 15.
    KUKWIRA. Zarukisanyi, imi mazambara, muzarukise, imi misuvo isingagumi; naMambo wembiri achapinda. Aleluya. Samu 24.
    PENDEKOSTE. Ndichadururira mweya wangu kunenyama yese. Aleluya. Joel 2.
    SONDO ROUTATU. Ndiani asingazokutyi, Tenzi nokuvirikidza Zita rako? izvo uriwe wega unoyera. Kurati. 15.
    MISI YAVANOYERA. Mabasa ako ese anokuvirikidza, Tenzi; navanoyera vako vanokutenda. Samu 145.
    PARUTONDEDZO RWAVAKAFA. Hakuna wedu anozvigarira ega, hakuna anozvifira ega. Nokuti kana tiri vapenyu, tiri vapenyu kunaTenzi; kana tichifa, tinofa kunaTenzi: ndizvozvo, kana tiri vapenyu, kana takafa, tiri vaTenzi. Mar. 14.
    PADZIMWE NGUVA. Kupenya kwenyu ngakupenye pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, nokuvirikidza Baba wenyu ari kudenga. S. Matt. 5.
    Musazvikotsere pfuma pasi; apo ngura nechikumo zvinoshatisa, apo mbava dzinopwanya nokuba: asi zvikotserenyi pfuma kudenga; uko chikumo kana ngura zvisingashatisi, nouko mbava dzisingapwanyi nokuba. S. Matt. 6.
    Chese chamunoda kuti vanhu vamuitire, zviitenyivo kunaivo; izvo uyu ndiwo Mutemo naVaprofiti. S. Matt. 7.
    Handi vese vanoti kuneni, Tenzi, Tenzi, vachapinda muumambo hwokudenga; asi uyo anoita kuda kwaBaba wangu uri kudenga. S. Matt. 7.
    Tonderanyi mazwi aTenzi Jesu, aakataura kuti, Kupa kunokomborerwa kupinda kugashira. Mabasa 20.
    Uyo anodzidziswa izwi ngaakoverane naye anodzidzisa muzviro zvese zvakanaka. Musanyengedzwe, Mwari haasekwi: nokuti kana chiri chinyi icho munhu anodyara ndicho anocheka. Magar. 6.
    Apo tinonga tichinenguva, ngatiite zvakanaka kunavanhu vese; zvikuru kunaivo vemhuri yechibvumo. Magar. 6.
    Akakomborerwa uyo anokotera vanorwara navanoshaya: Tenzi achazomununura panguva yokutambudzika. Samu 41.
    Fambanyi murudo, sezvo Kristu akatidavo, akazvipira isu kuva chipo nomuteuro kunaMwari unehwema hwakanaka. Maef. 5.
    Ndizvozvo ndinomuteta, hama, nenyasha dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu ive miteuro inoupenyu, inoyera, inodikanwa kunaMwari, iro riri basa renyu rakafanira. Maro. 12.
    Merkisedeki mambo weSaremi wakaunza chingwa newaini; iye wakanga ari Mupristi waMwari mukuru kwazvo. Gen. 14.
    Ndinokupa muteuro wokutenda, nokudaidzira Zita raTenzi; ndinoita zvipiko zvangu kunaTenzi pamberi pavanhu vake vese. Samu 116.

    Zviro zvese zvinobva kunewe, takupa zviro zvako pachako. 1 Kron. 29.

Apo aya mazwi anonga ari kuverengwa, Vadikoni, kana vakuru veChechi, kana vamwe vanhu vakafanira yakamisirwa iro basa, vachatambira zvipo, nezvimwevo zvavanhu mundiro yakanaka yakapirwa iro basa nePerishi; vazvipe kunoMupristi nokuremedza, uyo anozvipa nokuzvirereka azviise paTafura rinoyera.

Mupristi achaisa paTafura Chingwa neWaini, zvaanofunga kuti zvinokwana, achiti:

KOMBORERA, Tenzi, takuteta, izvi zvipo zvako, uzviyerise kuneiri basa rinoyera, kuti tigutswe nazvo kuupenyu husingagumi hwomweya nomuviri; nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Amen.

Kana Kukumbirira kana Kutenda kuchida kuitirwa chimwe chiro, kungaitwe noMurongertvo woKumbirira zvino, kana Mupereko usati waitwa,

Kana zvapera Mupristi ngaati,

Ngatinamatire Chechi yese yaKristu.

MWARI unesimba rese unogara narini, iwe wakatidzidzisa noMupostori wako unoyera kunamatira, nokukumbirira, nokutendera, vanhu vese: Takuteta nokuzvirereka kuti utambire nenyasha (zvipo zvedu ne) mipereko zvatinotambidza nokugashira iyi minamato yedu, zvatinopa kuumambo hwako hwoUmwari; tichikuteta kuti ugare uchifemera Chechi yepasi pese nomweya wechokwadi, newouhumwe, newokubvumirana: Upe, kuti vese vanobvuma Zita rako rinoyera vabvurnirane muchokwadi yeIzwi rako rinoyera, nokugara muuhumwe, norudo rwakarurama.
    Takutetazve kuti utungamirire ndudzi dzese kunzira yokururama norugare, nokutungamirira Vamambo vese, naMapresidendi ese, naVatongi vese kuzoti munyasi mavo pasi ritongwe zvakarurama norunyararo. Upe kuti Muranda wako ELIZABETH Mambokadzi wedu, makotsi ake, namaparamendi ake, nevese vane chiremera muNyika dzake dzese, kuti vatonge nokusatsera nechokwadi nenduramo kuti zvakaipa nezvakanyangara zvibviswe, nokuti rugaro rwakanaka nokururama zvichengetwe.
    Ipa grasia, Baba wokudenga, kunaVabishopi vese, Vapristi naVadikoni, zvikuru kunomuranda wako N. Bishopi wedu, kuti muupenyu hwavo norudzidziso vaonise Izwi rako redi rine upenyu, nokushandisa Masakaramende ako anoyera zvakarurama nokufanira: Upe vanhu vako vese grasia rako rokudenga; zvikuru kune sangano iri riri pano; kuti vanzwe, nokugashira Izwi rako rinoyera; nomwoyo wokuzvirereka nokuremedza kwakafanira; vachikubatira basa nedi mukuyera nokururama misi yese youpenyu hwavo. [Tungamidza uite vagarike, takuteta, vese vari kubata basa rokufambisa Vangeri rako pakati pendudzi.]
    [Upe kupenya kwoMweya wako kune Zvikoro zvese neYunivesiti dzese, kuti pasi rizadzwe nokuziva Idi rako.] [Upe kunavanhu vese murudzidziso rwavo rwakapatsana kuti vatsvakire vese rugarisano rwakanaka, kuti rudano noukama hwakanaka zvikure pasi pano.]
    Takuteta nokuzvirereka kukuru, Tenzi, kuti nokunaka kwako unyaradze nokubatsira vese vanotambudzika muupenyu huno hunopfuura, kana vanosuva, vanoshaya, vanorwara, navane dzimwe nhamo.
    Tinopa mukuchengeta kwako kwetsitsi, Tenzi, varanda vako vese vakabva muupenyu huno muchibvumo chako nokukutya, tichikuteta kuti uve nenyasha kunaivo, nokuvapa ruveneko norunyararo zvino napamusi wokumuka.
    Zvino pano tinopa kunewe, Tenzi, kutunhidza kukuru, nokutenda kunobva mumwoyo pamusana pegrasia, rino shamisa nokururama zvakaoniswa nokuna Vanoyera vako vese, zvikuru mune Mhandara Yakakomborerwa Maria, Mai woMukorore wako Jesu Kristu Tenzi wedu naMwari, nomuna Vadzitateguru vanoyera, Vaprofiti,     Vapostori, naVamatari; tichikuteta kuti utipe grasia kuti tichifarira Sanganirano raVanoyera tichitevera miyenzaniso yakanaka yaavo vakakubatira basa pasi pano, tikoverane pamwe navo muumambo hwako hwokudenga:
    Tipe izvi, Baba, pamusana pajesu Kristu, Mufariranisi wedu mumwe chete noMureveri. R. Amen.
 

Offertory

KUGADZIRIRA

Apa Mupristi anotaura kunaivo vanouya kuzogashira Chisanganirano Chinoyera, kuti.

IMI munopinduka nedi kubva muzvitadzo zvenyu, muchida vamwe venyu, nokuda kugara upenyu hutsva, muchitevera zvisungo zvaMwari, muchifamba kubvira zvino munzira dzake dzinoyera: Swenderanyi nechibvumo, mugsahire iri Sakaramende rinoyera mukunyaradzwa kwenyu; mureurure nokuzvirereka kunaMwari Anesimba rese, makapfugama nokutiwa namabvi enyu.
 

Preparation

Apa uru rureururo runotaurwa muzita revese vanoda kugashira Chisanganirano Chinoyera, nomumwe vaVashandiri; tye navanhu vese vakapfugama nokuzvirereka, namabvi avo, vachiti,

Apa Mupristi (kana Bishopi, kuti aripo) anomira nokutenderukira kunavanhu achitaura aya mazwi oRusununguro.

MWARI unesimba rese, Baba wedu wokudenga, uyo nenyasha dzake huru wakatsidza rusununguro rwezvitadzo kunevese vanopindukira kwaari nokupinduka kwomwoyo nechibvumo chedi: Ngaave nenyasha kwamuri; amuregerere nokumununura muzvitadzo zvenyu zvese; amupe simba nokumusimbisa mukunaka kwese; amuunze kuupenyu nokushatirwa nesu. Tinopinduka nedi, Tineshungu mumwoyo neizvi zvitadzo zvedu, Kuzvitondera kunotinetsa; Mutoro wazvo mukukutu. Chiva nenyasha panesu, Chiva nenyasha panesu, Baba unenyasha huru; Pamusana poMukorore wako Tenzi wedu Jesu Kristu, Tisunungure zvese zvapfuura; Utipe kuti mumasure mezvi tigaretichikubatira basa nokukufadza nhambwe dzese Muupenyu hutsva, Mukuremedzwa nembiri yeZita rako; Nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Amen.
 

MWARI unesimba rese, Baba waTenzi wedu Jesu Kristu, Musiki wezviro zvese, Mutongi wavanhu vese: Tinobvuma nokuchema nezvitadzo zvedu zvizhinji nezvinyangadzo, Izvo takagara tichiita nemhosva dzedu dzinotsutsumwisa, Nepfungwa namazwi, nokuita, Kuumambo hwako hwoUmwari, Tichikuita uzaridzwe zvakafanira husingagumi; nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. R. Amen.

Pamisi mukati meviki, isi Mabira, kana Bishopi achibvumidza, ava mazwi anotevera angasevenziswe:
 
RUSUNUNGURO
 
TINOBVUMA kunaMwari Anesimba rese, Baba, noMukorore noMweya Unoyera, kuti takanyangadza mupfungwa, namazwi, nokuita, nemhosva dzedu dzinosuvisa. Ndizvozvo tinoteta Mwari kuti ave nenyasha panesu. MWARI unesimba rese ngaave nenyasha kunemi; amusunungure zvitadzo zvenyu zvese, amununure mukuipa kwese; amupe simba nokumusimbisa mukunaka kwese; amuunze kuupenyu husingagumi. R. Amen.

 
Confession & Absolution

Zvino Mupristi anoti:

    Inzwanyi mazwi anonyaradza ayo Muponisi wedu Kristu anotaura kunevese vanopindukira kunaiye nedi:
    Uyanyi kwandiri mese munotambudzika nokuremerwa, ndinomuzorodzanyi. S. Matt. 11. 28.
    Mwari wakadisa pasi zvakadai, ndizvo wakapa Mukorore wake mumwe wakaberekwa ega, kuzoti vese vanodavira kunaiye vasafe, asi vave noupenyu husingagumi. S. Johane 3.16.
    Inzwanyivo izvo Sante Pauro anotaura:
    Uku kutaura ndekwechokwadi, kwakafanira kugashirwa navanhu vese, Kuti Kristu Jesu wakauya pasi kuzoponisa vanyangadzi. 1 Tim 1. 15.
    Inzwanyivo izvo Sante Johane anotaura:
    Kana munhu achiita chitadzo, tinoMureveri kunaBaba, Jesu Kristu wakarurama; ndiye chinyaradziso pamusana pezvitadzo zvedu. 1 S. Johane 2.1.
 

Comfortable Words

KUYERISWA

Kana Mupristi, akamira pamberi peTafura, aisa Chingwa neWaini, kuti amedure Chingwa ngenyore nokufanira pamberipavanhu, nokutora Mukombe mumaoko ake, achataura Munamato woKuyertsa, sezvo unotevera:

Mupristi. Tenzi ngaave nemi;
R. Nomeya wako.
V. Simudzanyi mwoyo yenyu;
R. Tinoisimudzira kunaTenzi.
V. Ngatitende kunaTenzi Mwari wedu;
R. Zvakafanira zvakanaka kuita izvi.

Mumasure mezvi Mupristi achatenderukira kuTafura reTenzi, achiti,

ZVAKAFANIRA kwazvo, zvakanaka nebasa redu rakafanira, kuti titende kunewe panguva dzese, nomunzvirnbo dzese, Tenzi, Baba Unoyera Mwari Unesimba rese, Usingagumi.

Pano ngakutevere mazwi akafanira enguva (ona pejii 17-19) kuti aripo mamae mazwi akasarudzwa, kana kusina, ngakutevere paMisi yeSondo ay a mazwi anotevera:

IWE, noMukorore wako mumwe wakaberekwa ega, noMweya Unoyera, uri Mwari mumwe, Tenzi mumwe, munoUtatu huri hwako noUhumwe huri hwako, uyo wakasika zviro zvese nelzwi rako risingagumi. Ndizvozvo neNgerosi, &c.

Paimwe misi pekarepo kunotevera:

NDIZVOZVO neNgerosi naMachinda eNgerosi nechita chese chokudenga, tinotunhidza nokukudza Zita rako rine mbiri; misi yese tichikuvirikidza, tichiti:
Unoyera, unoyera, unoyera, Tenzi Mwari wehondo, denga nepasi zvizere nembiri yako, Mbiri ngaive kunewe, Tenzi Mukuru. Amen.

MBIRI yese nokutenda ngazvive kunewe, Mwari unesimba rese, Baba wedu wokudenga, nokuti wakapa nenyasha dzako huru Mukorore wako mumwe chete Jesu Kristu kuti atore uberekerwo hwedu nokufira rutsikinuro rwedu paMuchinjiko; uyo (nokuzvipa kwake kamwe) wakaita muteuro nomupereko, nechikwaniso, zvakazara, zvakapedzisiswa, nezvinokwana, zvezvitadzo zvepasi pese; akavamba, akatiudza muVangeri rako rinoyera kuti tigare tichiita, rutondedzo rusingagumi rwouko kufa kwake kunokosha, dzamara auyezve.
    Tinzwe, Baba unenyasha, takuteta nokuzvirereka kukuru, upe kuti isu, tichigashira izvi zvisikwa zvako zvechingwa newaini, sokuvamba kwoMukorore wako Muponisi wedu Jesu Kristu, mukutondera kufa kwake nokutambudzika kwake, tive vasanganiri woMuviri wake neropa rake zvakatunhidzwa kwazvo: uyo usiku uhwo akapandukirwa, (a) wakatora chingwa; izvo akanga atenda, (b) wakachimedura, akachipa kunavadzidzi vake, achiti, Tambiranyi, mudye, (c) uyu Muviri wangu uri kupirwa imi: Itanyi izvi chiyeudzo changu. Munzira imweyo mumasure mechirariro, (d) wakatora Mukombe; izvo akanga atenda, wakaupa kunaivo, achiti, Imwanyi izvi mese; (e) izvo iri riri Ropa rangu reChirangano Chitsva, riri kuparadzirwa imi navazhinji, mururegerero rwezvitadzo: Itanyi izvi, panguva dzese apo munorimwa, chiyeudzo changu.

Consecration

 

(a) Apa Mupristi ngaabate Ndiro mumaoko ake;
(b) Apa ngaamedure chingwa;
(c) Apa ngaaise ruoko rwake pamusoro pezvingwa;
(d) Apa ngaabate Mukombe murouko rwake;
(e) Apa ngaaise ruoko rwake pamusoro peMidziyo yese (kana uri Mukombe kana chakadaro) umo muneWaini inoda kuyeriswa.

    Ndizvozvo, Tenzi naBaba wokudenga, sokuvamba kwoMukorore wako unodiwa kwazvo, Muponisi wedu Jesu Kristu, isu varanda vako vanozvirereka, tichitondera kutambudzika kwake kunotunhidzwa nokufa kwake kunokosha, nokumuka kwake kunesimba nokukwira kwake kwembiri, tinopa kunewe rutendo nomwoyo yedu yese nezvikomborero zvisingaverengeki zvakawanirwa isu ndiko; zve, tichirindira kuuya kwakezve nesimba nembiri huru, tinopa pano kuumambo hwako hwoumwari ichi Chingwa chinoyera choupenyu hunovapo narini nouyu, Mukombe woruponiso rusingagumi; tinokuteta nokuzvirereka kuti udire Mweya wako Unoyera panesu nepane izvi zvipo zvako, kuti isu tese tiri vasanganiri veichi Chisanganirano Chinoyera tigashire nokufanira Muviri unokosha kwazvo neRopa roMukorore wako, tizadzwe negrasia rako nechikomborero chokudenga.
    Tinokutetazve kwazvo kuti nokunaka kwako kwoubaba ugashire nenyasha, uyu muteuro wedu wokutunhidza nokutenda; tichikuteta nokuzivrereka kukuru kuti utipe, nokufanira nokufa kwoMukorore wako Jesu Kristu, nokusimbira muropa rake, isu neChechi yako yese tigashire ruregerero rwezvitadzo zvedu, nezvimwe zvikomborero zvese zvokutambudzika kwake.
    Tiri kuzvipa pano nokuzvipereka kunewe, Tenzi, isu pachedu, mweya yedu nemiviri, kuti ive muteuro wakafanira, unoyera, unoupenyu kunewe.
    Kana tisingafaniri, pamusana pezvitadzo zvedu zvizhinji, kukupa muteuro, asi tinokuteta kuti ugashire iri basa redu rakafanira noubandadzi; usingapimi zvatiri, asi uchisunungura zvitadzo zvedu, nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu, nokunaiye newe, pamwe nouhumwe hwoMweya Unoyera, mbiri yese nokuremedza ngazvive kunewe, Baba unesimba rese, narini narini.

Pano vanhu vese ngavati, Amen.

Sezvo Tenzi wedu Jesu Kristu akatiudza akatidzidzisa, tinoshinga kutaura kuti:

Apa Mupristi navanhu ngavataure pamwe Munamato waTenzi.

BABA WEDU uri kudenga, Zita rako ngariyeriswe, Umambo hwako husvike, Kuda kwako ngakuitwe, Pasi sokudenga. Tipe nhasi chingwa chedu chemisi yese. Tisunungure zvitadzo zvedu, Sezvo tinosununguravo vanotitadzira. Usatitungamidzire mururunziro; Asi tinunure mukuipa.
    Izvo umambo huri hwako, Nesimba, nembiri, narini, narini. Amen.
 

 

CHISANGANIRANO

Apa ngakunyararwe kanguva kashoma. Mumasure mezvo kunotevera uyu Munamato, uchitaurwa noMupristi, akapfugama, muzita revese vachagashira Chisanganirano.

HATINGASWENDERI kuneiri tafura rako, Tenzi unenyasha, tichisimbira mukururama kwedu pachedu, asi tichisimbira munyasha dzako huru munzira dzakapatsana. Hatisakafanira kana nokunonga mivuruvuru munyasi meTafura rako. Asi iwe uri Tenzi mumweyo, unogara nenyasha nhambwe dzese: Tipe, ndizvozvo, Tenzi unetsitsi, kuti tidye nyama yoMukorore wako unodikanwa Jesu Kristu, nokumwa ropa rake, kuti miviri yedu inezvitadzo ichenurwe nomuviri wake, mweya yedu isukwe neropa rake rinokosha kwazvo, nokuti tigare munaiye narini, naye agare munesu. R. Amen.

Apa Mupristi ngaamedure Chingwa atange kugashira Chisanganirano iye pachake zvese zviri zviviri, mumasure mezvo ngaape kunaVabishopi, naVapristi, naVadikoni, munzira imweyo, (kana varipo) mumasure mezvot kunavanhu namajana mumaoko avo, vese vakapfugama nokuzvirereka. Ari kupa Chingwa kunomunhu, ngaati,

Muviri waTenzi wedu Jesu Kristu, wakapirwa iwe, ngauchengete muviri wako nomweya kuupenyu husingagumi. Tambira udye, muchiyeudzo chokuti Kristu wakafira iwe, uziinurwe ndiye mumweya wako nechibvumo nokutenda.

Nomushandiri uyo anogashirisa Mukombe kunomunhu ngaati,

Ropa raTenzi wedu Jesu Kristu rakaburitsirwa iwe, ngarichengete muviri wako nomweya kuupenyu husingagumi. Imwa muchiyeudzo chokuti Ropa raKristi rakaburitsirwa iwe, utende.

Pamwe Mupristi, asati agashirisa Chingwa kunavanhu, angati kunevese varipo,

Swenderanyi mugashire Muviri neRopa zvaTenzi wedu Jesu Kristu, zvakapirwa imi, muziinurwe ndiye mumwoyo yenyu nechibvumo nokutenda.

Kana ataura zvakadaro, apo anogashirisa Chingwa kunomunhu, ngaati,

Muviri waTenzi wedu Jesu Kristu ngauchengete muviri wako nomweya kuupenyu husingagumi.

NoMushandiri anogashirisa Mukombe kunomunhu ngaati,

Ropa raTenzi wedu Jesu Kristu ngarichengete muviri wako nomweya kuupenyu husingagumi.

Kana vese vagaskira, Mupristi anodzokera kuTafura raTenzi, aise nokuzvirereka pamusoro paro izvo zvasara zvezviro zvayeriswa, achizvifukidza nejira jena rakanaka; pamwe, kana achida, ngaadye nokumwa izvo zvasara nokuremedza.
 

Communion

KUTENDA

Mumasure mezvi anoita uku Kutenda pamusana peChisanganiraro.

Mupristi. Tendanyi Tenzi, izvo anetsitsi;
R. Nenyasha dzake dzinogara narini.

MWARI unesimba rese, unogara narini, tinokutenda nomwoyo yedu yese, nokuti wafadzwa kutipa kudya, isu tagashira nokufanira izvi zvivandiki zvinoyera, kudya kwomweya kwoMuviri unokosha kwazvo neRopa reMukorore wako Muponisi wedu Jesu Kristu; uchitizivisa nazvo mutsa wako nokunaka kunesu; nokuti tiri nhengo dzedi dzomuviri wakavandika woMukorore wako, uyo uri chita chakakomborerwa chavanhu vese vanechibvumo; navagari venhaka nechivimbo, woumanbo hwako husingagumi, pamusana pezvifaniro zvokufa kunokosha nokutambudzika kwoMukorore wako unodiwa. Takuteta nokuzvirereka kukuru, Baba wokudenga, kuti utibatsire negrasia rako, kuti tigare muuko kuwadzana kunoyera, nokuita mabasa ese akanaka awakatigadzirira kuti tifambe munaivo; nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu, kunaiye, newe noMweya Unoyera, ngakuve kuremedzwa kwese nembiri narini narini. R. Amen.

Apa kunotaurwa kana kuimbwa,
 

Thanksgiving

MBIRI kunaMwari kumusoro, rugare pasi, rudo rwakanaka kunavanhu. Tinokurumbidza, tinokutunhidza, tinokuombera, tinokuvirikidza, tinokutendera mbiri yako huru, Tenzi Mwari, Mambo wokudenga, Mwari Baba Unesimba rese.
    Tenzi, Mukorore wakaberekwa ega, Jesu Kristu; Tenzi Mwari, Nyenye yaMwari, Mukorore waBaba, unobvisa zvitadzo zvepasi, chiva nenyasha panesu. Iwe unobvisa zvitadzo zvepasi, chiva nenyasha panesu. Iwe unobvisa zvitadzo zvepasi, gashira munamato wedu. Iwe ugere parudyi rwaMwari Baba, chiva nenyasha panesu.
    Izvo ndiwe wega unoyera; ndiwe wega uri Tenzi; ndiwe wega, Kristu, pamwe noMweya Unoyera, uri mukuru kunezvese mumbiri yaMwari Baba. Amen.

Mumasure mezvi Mupristi (kana Bishopi, kana aripo) achavaregera vachienda neichi Chikomborero.

RUGARE rwaMwari, runopinda kuziva kwese, ngarukotse mwoyo yenyu nemirangariro mukuziva norudo kunaMwari, noMukorore wake Jesu Kristu Tenzi wedu: nechikomborero chaMwari anesimba rese, chaBaba, noMukorore, noMweya Unoyera, ngachive nemi chigare nemi narini. R. Amen.
 

Gloriain excelsis

Zvinamatirwa izvo zvingataurwe mumasure meChinamatirwa choMusi, kana Chikomborero chisati Chaitwa. Zvimwe zvinamatirwa zvingabvumidzwe naBishopi apo zvinga zvava kudikanwa.

NANGISA netsitsi, Utatu Hunoyera kwazvo, pane ichi chiito chedu chokuombera nechoubandadzi; uyu muteuro waoniswa pamberi pako ngaugashirike kuukuru hwoUmambo hwako hwoUmwari, utibatsire navo vese vataitira, uyo ugere nokutonga, Mwari mumwe narini. R. Amen.

TENZI Jesu Kristu, Iwe wakati kunaVapostori vako, Ndinomusiira rugare, ndinomupa rugare rwangu; usaringise zvitadzo zvedu asi ringisa chibvumo cheChechi yako, uipe urwo rugare nouhumwe izvo Iwe unoda, ugere nokutonga naBaba noMweya Unoyera, Mwari mumwe, narini narini. R. Amen.

TENZI Mwari unovapo narini, Iwe unochengeta mweya yese muupenyu, Takuteta kuti uparadzire maranzi okupenya kwako nokunyaradza kwako kwokudenga kuChechi yako iri muParadisi nepasi; upe kuti isu, tichitevera muyenzaniso wakanaka waavo vakakudisa nokukubatira basa pasi pano asi zvino vari kuzorora, tipinde navo pakuguma muuzaru hworufaro rwako rusingagumi; nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. R. Amen.

TIBATSIRE nenyasha, Tenzi, muneizvi zvikumbiro zvedu neminamato, utungamidze varanda vako munzira inotsvitsa kuruponiso rusingagumi; kuti, muzviro zvese zvinopinduka nokuititka zvouhu upenyu hunopera, vadzivirirwe ndiwe, ngerubatsiro rwako rwetsitsi ruripo nhambwe dzese; nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. R. Amen.

TENZI unesimba rese, naMwari usingagumi, fadzwa, takuteta, kutungamidza, nokuyerisa, nokutonga, mwoyo yedu nemiviri, munzira dzemitemo yako, nomumabasa emirao yako; kuti, tichidzivirirwa nesimba rako guru, tichengetwe mumuviri nomweya, zvino napanguva dzese; nokuna Tenzi wedu noMuponisi Jesu Kristu. R. Amen.

IPA, takuteta, Mwari unesimba rese, kuti mazwi atanzwa nhasi nenzeve dzedu dzokunze, asimwe negrasia rako mumwoyo yedu mukati, kuti abare mukati medu michero yorugaro rwakanaka, mukuremedzwa nokutunhidzwa kweZita rako; nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. R. Amen.

TITUNGAMIRIRE, Tenzi, muzvese zvatinoita netsitsi dzako huru nomutsa, utiyamure norubatsiro rwako rwenhambwe dzese; kuti mumabasa edu ese, aambwa nokuitwa nokupedziswa munewe, tivirikidze Zita rako rinoyera, nokuwana pakuguma, nenyasha dzako, upenyu husingagumi; nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. R. Amen.

MWARI unesimba rese, tsime roungwaru hwese, Iwe unoziva zvatinoda tisati takumbira, nokusaziva kwedu mukukumbira: Takuteta kuti uve netsitsi pamusana pokunyorova kwedu; ufadzwe kutipa izvo zviro zvatisingashingi kukumbira pamusana pokusafanira kwedu, nezvatisingakwanisi kukumbira pamusana poupofu hwedu, pamusana pokufanira kwoMukorore wako Jesu Kristu Tenzi wedu. R. Amen.

MWARI unesimba rese, wakatsidza kuti unonzwa zvikumbiro zvavo vanokumbira muZita roMukorore wako: Takuteta kuti uteerere nenyasha isu taita zvino minamato yedu nezvikumbiro kunewe; upe kuti izvo zviro zvatakumbira norusimbiro sokuda kwako, zvipiwe ngedi kutibatsira mukushaya kwedu, nomukuvirikidzwa kwako; nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. R. Amen.

Additional Collects

MAZWI AKAFANIRAENGUVA

Pamusi weKrisimasi, dzamara paKuoniswa, napamisi yoKuchenurwa noKuudzwa (mazwi okuti sapanguva ino achiregerwa).

NOKUTI wakapa Jesu Kristu Mukorore wako mumwe chete kuti abarirwe isu, sapanguva ino; uyo, nesimba roMweya Unoyera wakaitwa munhu chaiye, anamasikirwo eMhandara Maria, mai wake; kuzoti iye asina vara rechitadzo, atichenure muzvitadzo zvese. Ndizvozvo nengerosi, &c.

Pamusi woKuoniswa, nemisi minomwe inotevera.

NOKUTI Jesu Kristu Tenzi wedu, uyo, mumasikirwo enyama yedu inofa, wakaonisa mbiri yake, kuti abvise vanhu vese vari kwese kwese mudima nokuvaunza muruveneko rwake pachake runoshamisa. Ndizvozvo nengerosi, &c.

Pamusi weChina Musi weIsita usati wasvika.

NOKUTI Jesu Kristu Tenzi wedu; uyo ada vake pachake pasi pano, akavada dzamara pakuguma, napausiku uhwo asati atambudzika, wakavamba izvi zvivandiki zvinoyera, kuti isu, tichigashira zvikomborero zvakabva muKutambudzika kwake, nokuitwa tive vapenyu novumuko kwake, tive vakoverani woUmwari hwake, nokuzadzwa ngekuzara kwese kwaMwari. Ndizvozvo nengerosi, &c.

Pamusi weIsita dzamara paMusi woKukwira.

ASI zvikuru takafanira kukutunhidza pamusana pokumuka kunembiri kwoMukorore wako Jesu Kristu Tenzi wedu: izvo ari Nyene yedi yePasika, yakateurirwa isu, ikabvisa zvitadzo zvepasi; uyo nokufa kwake wakaparadza kufa, nokumukazve muupenyu akadzosera kunesu upenyu husingagumi. Ndizvozvo nengerosi, &c.

Pamusi woKukwira dzamara paPendekoste.

NOKUTI Mukorore wako unodiwa kwazvo Jesu Kristu Tenzi wedu; uyo mumasure mokumuka kwake kwembiri wakaoneka pachena kunaVapostori vake vese, akakwira kudenga pamberi pavo, kundotigadzirira nzvimbo; kuti kwaari isu tizokwirevo, nokutonga naye mumbiri. Ndizvozvo nengerosi, &c.

Pamusi wePendekoste, nemisi mitanhatu inotevera.

NOKUTI Jesu Kristu Tenzi wedu, uyo, izvo akanga akwira kumusorosoro kwedenga, agare parudyi rwoUkuru hwoUmambo hwako, wakadururira sapanguva ino Mweya wako Unoyera unopa upenyu, pamusoro pavo vakasarudzwa kuva vana, kuti nesimba rake rembiri rufaro rwevangeri risingagumi ruende munyika dzese; iro takabudiswa naro mudima nokukanganisa, tichiunzwa muruveneko chairwo nokukuziva kwedi, nokuno Mukorore wako Muponisi wedu Jesu Kristu. Ndizvozvo nengerosi, &c.

PaSondo roUtatu.

IWE noMukorore wako wakaberekwa ega noMweya Unoyera uri Mwari mumwe, Tenzi mumwe, muUtatu huri hwako nomuUhumwe huri hwako; nokuti izvo tinodavira zvembiri yako, Baba, tinozvidavirazve zvoMukorore nezvoMweya Unoyera, zvisina kupatsana kana nokusaenzana. Ndizvozvo nengerosi, &c.

Pamusi woKusanduka

NOKUTI mbiri yeIzwi rako rakaitwa Nyama yakapenya pagomo rinoyera kunezvapupu zvoUkuru hwoUmambo hwake, ikaonisa simba nokuuya kwoUmambo hwake pamwe naVanoyera vake mukupenya. Ndizvozvo nengerosi, &c.

Pamusi vaVanoyera Vese, napaMabira Makuru aVapostori naVavangeri, neroMusi woKubarwa kwaSante Johane Mubabatidzi (kana kusina mazwi akasarudzwa kutaurwa enguva aMabira Makuru) aya mazwi anotaurwa.

IWE munaVanoyera vako wakatipa muyenzaniso woupenyu hwakarurama norubatso rwembiri rwechivimbo chokudaidzwa kwedu; kuti takatenderedzwa nechita chikuru chezvapupu, titizire nokutiwa munhangemutenge yakamiswa pamberi pedu, tigashire navo chiremba chembiri chisingauni. Ndizvozvo nengerosi, &c.

PaRutondedzo rwaVakafa.

NOKUTI Jesu Kristu Tenzi wedu; uyo wakaonisa upenyu nokusafa, kuti isu, tiri kuremerwa nomutoro wechitadzo norufo, tisasuve saavo vasina chivimbo; nokuti tinoziva kuti, apo musasa wedu wepasi wanyunguruka, tine umba irinane. Ndizvozvo nengerosi. &c.

PaKupirwa kweChechi, kana parutondedzo rwoKupirwa.

IWE, kunyange denga rese risingakukwani, nembiri yako iri mupasi rese, asi unogashira umba dzepasi dzakapirwa muZita rako, munaidzo unodururira zvipo zvegrasia panavanhu vako vanotendeseka. Ndizvozvo nengerosi, &c.

 

Proper Prefaces

Apo Mushandiri anozivisa kuti Chisanganirano Chinoyera chinoitwa, achaverenga uku kupangira kunotevera zvikuru paMabira Makuru napadzimwe nguva sezvo anofunga kuti zvakafanira.

VADIKANI, pamusi we ——, ndinoda norubatsiro rwaMwari, kugashirisa Sakaramende rinonyaradza kwazvo roMuviri neRopa raKristu kunevese avo vachagadzirira nokururama nokuremedza; kuti rigashirwe ndivo muchiyeudzo choMuchinjiko wake noKutambudzika zvine runako; ndizvo chete tinoona rusununguro rwezvitadzo zvedu, nokuitwa vasanganiri woumambo hwokudenga.
    Ndizvozvo ibasa redu rokutenda Mwari anesimba rese, Baba wedu wokudenga, nokuzvirereka kukuru nomwoyo yedu yese, nokuti wakapa Mukorore wake Muponisi wedu Jesu Kristu, handi kuti atifire chete, asi kuti ave upenyu hwomweya yedu nokudya kunotiponisa muiro Sakaramende rinoyera; iro ndiri kumukumbira mese muri muno, muzita raMwari, kuti muuye kunairo, imi munodaidzwa nokukokwa ngerudo naMwari iye pachake; ndizvo ndinomupangira, sezvo munodavo Ruponiso rwenyu, kuti muve vasanganiri weichi Chisanganirano chinoyera.
    Inyore kunomunhu kuti, Handigashiri, nokuti ndiri kupingidzwa namabasa epasi. Asi mhaka dzamanomano dzakadaro hadzigashirwi nokubvumirwa nyorenyore naMwari. Zve, kana munhu achiti, Ndiri munyangadzi mukuru, ndizvozvo ndinotya kuuya: ko ngenyi musingapinduki, nokunatsiridza? Ndizvozvo ndinomuteta, pamusana paTenzi Jesu Kristu, kuti musarambe kuuya Sakaramende rinoyera, umo tinodya mumweya nyama yaKristu, nokumwa Ropa rake; umo tinogara munaKristu, naKristu munesu; tiri vamwe naKristu naKristu nesu.
    Zve, nokuti takafanira kugashira izvi zvivandiki zvinoyera nomwoyo wakasuva nechibvumo chaicho, ibasa rangu pakutanga rokumupangira kuti mutondere ukuru hweicho chivandiki chinoyera, nokutondera kuti Sante Pauro anopangira senyi vanhu vese kuti vazviringisise vasati vashinga kudya icho Chingwa, nokumwira muuyo Mukombe. Ndizvozvo, hama, zvitongenyi imi pachenyu kuti musazotongwe naTenzi; zviringisenyi imi pachenyu nomutemo wemirao yaMwari; muve nechibvumo chaicho chakasimba munaKristu Muponisi wedu; natsiridzai upenyu hwenyu, muve norudo kwarwo kunavanhu vese; ndizvo muchava vasanganiri vakafanira weizvo zvivandiki zvinoyera.
    Zve, kana muchiona kuti hamusakanyangadzira Mwari basi, asi makanyangadzirazve vamwe venyu, ndizvo muchazvifariranisa imi pachenyu kunaivo; magadzirira kuita chiripiro nechikwaniso sezvo munokwanisa, chezvese zvikuhuniso nezvakashata zvamakaitira vamwe; magadziriravo kusunungura vamwe avo vakamutadzira, sezvo imi munodavo kuti Mwari amusunungurevo mhosva dzenyu. Zve, nokuti hazvisakafanira kuti munhu auye kuChisanganirano Chinoyera, asi achisimbira munyasha dzaMwari, nehana yakanyarara; ndizvozvo kana kunomumwe wenyu asingakwanisi kunyaradza hana yake muiyi nzira, asi achindoda kunyaradzwa kana kupiwa zano, ngaauye kuneni, kana kunomumwe Mushandiri welzwi reMwari, nokufukura rusuvo rwake; kuti, noushandiri hunoyera hwelzwi raMwari, agashire rubatsiro rworusununguro, pamwe nezano romweya nokupangirwa, mukunyaradzwa kwehana yake, nokunzvenga kuzitambudza kwese nokupokana.
 

Exhortation

Kusaitwe Chirariro chaTenzi, kuti kusina munhu mumwe anogashira noMupristi.

MuMakasedru nemuChechi dzeKoriji dzina Makenani, nomuMakoriji, umo munaVapristi vazhinji naVadikoni, vese ngavagashire Chisanganirano noMuprtsti zvikuru pamisi yese yeSondo, asi kuti vaine chipingidzo chakafanira.

Kuti kusave nenharo nokufungidzira nhando izvo munhu anazvo kana angave nazvo pamusana peChingwa neWaini, zvinokwana kuti Chingwa chive seicho chinodyiwa mazuva^ ese; asi ngachive Chingwa chekoroni chakanaka nokuchena icho chingawanike ngenyore.

Kana Chingwa neWaini zvayeriswa zvapera vese vasati vagaskira, Mupristi ngaayerise zvimwe, (a) kana zviri zvese zviiri, achitaurazve Mazwi oMunamato woKuyerisa achivambira pokuti “Tinzwe, Baba unenyasha” achigumira pokuti “Chikomborero chokudenga”; (b) kana chiri chimwe chapera, soMurongerwo wakamisirwa izvi mu “Book of Common Prayer.”

Kana kune zvasara zveChingwa neWaini zvayeriswa, zvisabudwe nazvo muChechi, asi Mupristi navamwe vaavo vagaskira waanenge adaidza vacadya nokumwa nokuremedza izvo zvasara pekarepo mumasure meCkikomborero, asi kunze kweizvo zvakamisirwa muMurongero woKugashirisa varwere.

Chingwa neWaini zveChisanganirano zvinotengwa noMupristi muchengeti naMackechiodeni nemari yezvipo zvePerishi.

Ifaniro yoMusanganiri wese yokugashira Sakaramende Rinoyera kazhinji, zvikuru paMabira Makuru ese eChechi, Isita ndiro rimwe ravo. Ngemutemo weChechi Musanganiri weCheche yeProvence ino wakafanira kugashira Chisanganirano Chinoyera asingatadzi kutsvitsa katatu pagore.

Makore ese panguva yelsita vanhu vese vePerishi ngavaverengerane noMupristi kana Vika kana Mupristi muchengeti, kana mumiriri wavo mumwe kana vazhinji, nokupa kunaivo kana kunaiye zvese zvakafanira kupiwa nomutemo weChechi, izvo zvakafanira kubviswa paiyo nguva.

Mumasure moMunamato weMisa, mari yapiwa paMupereko ngaisevenziswe mumabasa akarurama neomutsa, sezvo Mushandiri naMackechiodeni vanofunga kuti zvakanaka. Kana vasingabvumirani, ngaisevenziswe sezvo Bishopi anotema.

Pamisi mukati meviki, isi Mabira, kana Bishopi achibvumidza, Kudavira neGloria in Excelsis zvingaregerwe, nemirongero mipfupi yoKureurura noKusunungura (peji 8 & 9) ngaisevenziswe mwKUGADZIRIRA.

Final rubrics


Web author: Charles Wohlers U. S. EnglandScotlandIrelandWalesCanadaWorld